Chasarira
by
Book Details
About the Book
CHASARIRA rungano runotevera mwanakomana Tawanda aive netsiye nyoro rwuchibuditsa udzamu hweushamwari nekutsungirira kusina kunze kwanaya. Inguva yezhizha papurazi reMurimi Zama zvinhu zvakaita muchechetere kusvika Muchobori, sheche yemumusha yatanga kukekeredza nekurarira mazai. Nhiyo dzachechenywa dziri gumi nembiri kwakaita nhiyo Chasaraira yegumi nembiri yaitakunyirwa kure neundonda hwayo. Yatakunyirirwa kure sezvizvi, Tawanda, VaZama naAmai Zama vanoimbundira pobva pabvira ushamwari hwebhande nebhurukwa. Munjodzi dzose dzavana Chapungu pamwe nekurwara zvinenge zviri zvose naKatsande. Zvakadai, mhuri yaVaZama, ichakwanisa here kuti Chasarira igova mutano nekumirawo sedzimwe huku dzadai kukura?
About the Author
Martha Matsvai mukoti ari nyanzvi pakuruka ngano nekudzipa kumazera anotevera. Anoruka nyaya neunyanzvi zvinoita kuti rungano rwanyorwa rwugombedzere muverengi kutsinatira parungano rwacho kusvika kumagumo. Chitsvambe chekuparura chakabva muna Baba nyakubereka vaiva sarungano wemandiriri.